Ephesians 4

Kusiyana kwezvipo zveMweya neumwe hwerutendo

1Naizvozvo ndinokukumbirisai, ini musungwa muna Ishe, kuti mufambe zvakafanira kudanwa kwamakadanwa nako, 2pamwe nekuzvininipisa kwese neunyoro, nemoyo murefu, muchiitirana moyo murefu murudo, 3muchishingaira kuchengeta umwe hweMweya muchisungo cherugare. 4Kune muviri umwe uye Mweya umwe, sezvamakadanwawo mutariro imwe yekudanwa kwenyu; 5Ishe umwe, rutendo rumwe, rubhabhatidzo rwumwe, 6Mwari umwe naBaba vevese, ari pamusoro pevese, uye kubudikidza nevese, nekwamuri mese. 7Asi kune umwe neumwe wedu kwakapiwa nyasha zvichienderana nechiyero chechipo chaKristu. 8Naizvozvo anoti: Paakakwira kumusoro, wakatapa utapwa, akapa zvipo kuvanhu. 9Zvino izvi kuti: Wakakwira, chii kunze kwekuti wakaburukawo pakutanga kunzvimbo dzakaderera dzenyika? 10Wakaburuka ndiyewo wakakwira kumusoro-soro kwematenga ese, kuti azadzise zvinhu zvese. 11Zvino iye wakapa vamwe kuva vaapositori, nevamwe vaporofita, nevamwe vaevhangeri, nevamwe vafudzi nevadzidzisi, 12kuitira kukwaniswa kwevatsvene, pabasa reushumiri, pakuvakwa kwemuviri waKristu; 13kusvikira tese tasvika paumwe hwerutendo, nehweruzivo rweMwanakomana waMwari, pamurume wakazara, pachiyero chechimiro chekuzara kwaKristu; 14kuti tisazova vacheche, vanodzungaidzwa nemafungu kuenda nekudzoka nekupepereswa nemhepo ipi neipi yedzidziso, nekunyengera kwevanhu, pakunyengera, kumano ekutsauka; 15asi titaure chokwadi murudo, tigokura maari pazvinhu zvese, iye musoro, Kristu; 16kunobva kwaari muviri wese, wakabatanidzwa pamwe zvakaringana nekuumbanidzwa, kubudikidza nemudemhe-mudemhe wefundo rimwe nerimwe, zvichienderana nemashandiro muchiero chenhengo imwe neimwe achikurisa muviri pakuvakwa kwawo murudo.

Mufambiro mutsva womuKristu

17Naizvozvo ndinoreva ichi, nekupupura muna Ishe, kuti imwi kubva zvino musachifamba sevamwe vahedheni vanofamba mukushaya maturo kwefungwa yavo, 18vakasvibiridzwa mufungwa, vari vatorwa paupenyu hwaMwari nekuda kwekusaziva kuri mukati mavo, nekuda koukukutu hwemoyo yavo; 19ivo vakazvipa vatindivara kuunzenza, kuti vabate utsvina hwese neruchiva. 20Asi imwi hamuna kudzidza Kristu saizvozvo, 21kana zvakadaro makamunzwa nekudzidziswa maari, sezvo chokwadi chiri muna Jesu; 22kuti murase zvinoenderana nemufambiro wekutanga, munhu wekare, anoodzwa nekuchiva kwekunyengera; 23uye muvandudzwe mumweya wefungwa yenyu, 24uye kuti mufuke munhu mutsva, wakasikwa maererano naMwari mukururama neutsvene hwechokwadi. 25Naizvozvo muchiisa nhema parutivi, mutaure chokwadi umwe neumwe kune umwe wake; nokuti tiri mitezo, umwe weumwe. 26Tsamwai musingatadzi; zuva ngarirege kuvira pamusoro pekutsamwa kwenyu; 27uye musapa dhiabhorosi nzvimbo. 28Wakaba ngaarege kubazve; asi zviri nani kuti abate nesimba chinhu chakanaka nemaoko, kuti ave nechaangapa anoshaiwa. 29Shoko ripi zvaro rakaora ngarirege kubuda mumuromo menyu, asi chero kana rakanakira kuvaka sezvakafanira, kuti ripe nyasha kune vanonzwa. 30Uye regai kushungurudza Mweya Mutsvene waMwari, wamakaiswa mucherechedzo maari kusvikira pazuva redzukunuro. 31Shungu dzese, nehasha, nekutsamwa, nekupopota, nekutuka ngazvibviswe kwamuri neuipi hwese; 32asi ivai nemoyo munyoro umwe kune mumwe, muchinzwira tsitsi, muchikanganwirana, Mwari sezvaakakukanganwiraiwo muna Kristu.

Copyright information for Shona